Proverbs 7

Yambiro pamusoro poMukadzi Chifeve

1Mwanakomana wangu,
chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri.
2Chengeta mirayiro yangu ugorarama;
uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako.
3Uzvisungirire paminwe yako;
uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako.
4Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu,”
uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako;
5zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve;
kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko ake.
6Napawindo remba yangu
ndakatarira panze nomumagirazi.
7Ndakaona pakati pavasina mano
ndikacherechedza pakati pamajaya,
rimwe jaya rakanga risina njere.
8Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya,
richifamba rakananga kumba kwake,
9panguva yorubvunzavaeni,
zuva ravira, kunze kwosviba.

10Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye,
akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.
11Anotaura noruzha uye anozvikudza,
tsoka dzake hadzigari pamba;
12imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara.
Anorindira pamakona ose.
13Akamubata ndokumutsvoda,
uye nechiso chisina nyadzi akati:

14“Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu;
nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.
15Saka ndauya kuzosangana newe;
ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!
16Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara,
anobva kuIjipiti.
17Ndasasa zvinonhuhwira pamubhedha wangu, zvinoti:
mura, gavakava nesinamoni.
18Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani;
ngatifare zvedu norudo!
19Murume wangu haako kumba,
akafamba rwendo rurefu.
20Akatakura homwe yake izere nemari
uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”

21Namashoko okunyengetedza akamutsausa;
akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera.
22Pakarepo akamutevera senzombe
inoenda kundobayiwa,
senondo inopinda mumusungo,
23kusvikira museve wabaya chiropa chake,
seshiri inokurumidza kupinda muugombe,
asingazivi kuti zvichamuurayisa.

24Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri;
nyatsoteererai zvandinotaura.
25Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake,
kana kurasikira pamakwara ake.
26Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi;
vaakauraya vakawanda kwazvo.
27Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva,
uchitungamirira kumakamuri orufu.
Copyright information for SnaBDSC